Chitsuwa
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuZvitsuwa)

Chitsuwa (Nge. Island) kana Tsuwa muchidzidzo cheTaranyika, ishoko rinoreva nzvimbo yakatendedzwa nemvura ingava pakati pegungwa; bhahari; nyanza, kana rwizi. Chitsuwa chinosiyana neziwumbe nekuti chidiki.
MuAfurika kune zvitsuwa zvinoti: Madagascar; Morishasi; Zanzibhari; Kabho Vherite ; Seisheri; Kitlineki (Kitlineq/Chitsuwa chaVhitori) nezvimwewo. Pasi rose chitsuwa chihombesa ndicho chinonzi Ghirinilendi (Greenland).
Vamwe vatauri vanoti chiwi, chirundu, chituru kana kuti chiunde - asi vamwe vamoti chiunde inzvimbo iri kwayo yega.
Gurutsuwa runotaurwa panowanikwa chaunga chezvitsuwa sezvakaita muBhahari re Eegi pedyo neItari.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Shambala vanoti kisiwa (n. island), kureva chitsuwa.
- VaWabo vanoti esuwa (island) kureva chitsuwa.
- Sangho vanoti zûa (island) kureva chitsuwa. Lozi vanoti sikuli (n. island) kureva chitsuwa
- VaGungu neVaGanda vanoti kizinga (island) kureva chitsuwa. Lenje vanoti izinga, nsumbu kana sumbu (island) kureva chitsuwa.
- VaTonga vanoti kasuwa kureva chitsuwa. VaKongo vanoti kisanga (island) kureva chitsuwa.
- Baila vanoti chilwa (island) vachireva chitsuwa.
- VaMakua vanoti ntiji kana matinji pakuwanda (island) kureva chitsuwa.
- Kimbundu inoti kisuko (island in a river or lake) kureva chitsuwa chiri munyanza kana murwizi.
- Zigula vanoti chiruwa (island) vachireva chitsuwa.